Titus 1

Kwaziso

1Pauro, muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekuziva chokwadi chiri pakunamata Mwari, 2patariro yeupenyu husingaperi, uhwo Mwari asingagoni kureva nhema hwaakavimbisa nhambo dzenguva dzisati dzavapo, 3asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake nekuparidza kwakaiswa mumaoko angu zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu, 4kuna Tito, mwana wangu chaiye zvichienderana nerutendo rwatinodyidzana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.

Basa raTito paKrete

5Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvakasara, uye ugadze vatariri muguta rega-rega, sezvandakakuraira ini; 6kana aripo asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, ane vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yekusazvidzora, kana kusateerera. 7Nokuti mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, semuchengeti weimba waMwari; asina mukundo, asingakurumidzi kutsamwa, asiri muraradzi, asiri murwi, asingakariri fuma yakaipa, 8asi anofarira kugamuchira vaenzi, anoda zvakanaka, anozvidzora, wakarurama, mutsvene, anozvibata, 9anobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, uye kupwisa vakakavari.

Vadzidzisi venhema

10Nokuti vazhinjiwo varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyengeri, zvikuru avo vekudzingiswa, 11vanofanira kudzivira miromo yavo; vanopidigura misha yese, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri, nekuda kwefuma yakaipa. 12Umwe pakati pavo, anova muporofita wavo pachavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara. 13Uchapupu uhu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvakasimba, kuti vagwinye parutendo, 14vasingateereri ngano dzeVaJudha nemirairo yevanhu vanofuratira chokwadi. 15Kune vakachena zvinhu zvese zvakachena; asi kune vakasvibiswa nevasingatendi hakuna chakachena, asi kufunga kwavowo nehana zvakasvibiswa. 16Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, vari vanyangadzi nevasingateereri uye vasingabatsiri pabasa rese rakanaka.

Copyright information for Shona